Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama; Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima; Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa. Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo; Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake. Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake. Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa; Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu; Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama. Nokuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.
Verenga chikamu Zvirevo 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 2:12-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo