Mugwagwa mukuru wavakarurama unonzvenga zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza. Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha. Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa. Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi. Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa. Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo inoenda kurufu. Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda. Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa. Munhu akatsauka anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo. Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka. Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa; uyo anoruma miromo yake ari kuda kuita zvakaipa. Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka; inowanikwa noupenyu hwakarurama. Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta. Mujenya unokandirwa pamakumbo, asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.
Verenga chikamu Zvirevo 16
Terera ku Zvirevo 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 16:17-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo