Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 16:17-33

Zvirevo 16:17-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mugwagwa mukuru wavakarurama unonzvenga zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza. Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha. Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa. Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi. Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa. Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo inoenda kurufu. Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda. Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa. Munhu akatsauka anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo. Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka. Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa; uyo anoruma miromo yake ari kuda kuita zvakaipa. Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka; inowanikwa noupenyu hwakarurama. Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta. Mujenya unokandirwa pamakumbo, asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 16

Zvirevo 16:17-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Mugwagwa mukuru wavarurami unotsaukana nouipi. Munhu anotarisa paanotsika anozvichengetedza upenyu. Kuzvikudza kunoteverwa nokuparadzwa uye kuviruka nehasha kunoteverwa nokukoromoka. Zviri nani kuva nomwoyo wokuzvirereka pamwechete navarombo pano kugoverana zvokupamba pamwechete navanozvikudza. Munhu anoteerera shoko anobudirira akakomborerwa anovimba naTenzi. Munhu akangwara anonzi munhu anoona zvinhu nemazvo, kutaura zvinotapira kunobatsira kukurudzira vamwe. Ungwaru itsime roupenyu kune anaho asi upenzi ishamhu kumapenzi. Pfungwa dzomungwaru dzinoita kuti muromo wake utaure zvinoungwaru uye zvinopamhidzira kumuromo wake chipo chokukurudzira vamwe. Mazwi akanaka akaita sezinga rouchi, anotapira parurimi uye anorapa munhu. Munhu anogona kuona zviito zvake sezvakanaka asi zvichizoguma zvamuendesa kurufu. Havi yomushandi ndiyo inomumanikidza kushanda nokuti nzara inomukweva. Dzenga rinomutsa muchokoto, zvarinotaura, moto chaiwo unopisa. Munhu akaipa anopesanisa vanhu munhu wamakuhwa anoparadzanisa shamwari. Munhu woutsinye anofurira mumwe wake achimutungamirira munzira isina kururama. Munhu anochonya maziso ane twaanoronga twakaipa, munhu anomonya muromo anokonzera zvakaipa kuti zviitike. Kuchena musoro indaza yembiri kunowanikwa noupenyu hwakarurama. Munhu asingakurumidzi kushatirwa ari nani pane vana masimba, munhu anozvitonga ari nani pane anokurira guta. Panogona zvapo kuita chin'ange pamakumbo asi zvinenge zvabvumirwa naTenzi ndizvo zvinoitika.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 16

Zvirevo 16:17-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvirevo 16:17-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mugwagwa, wakapfumba, waʋakarurama ndiko kubva panezakaipa; Unocenjerera nzira yake unoceŋgeta mŋeya wake. Kuɀikudza kunotaŋgira kuparadzwa; Ʋuye mŋeya wamanyawi unotaŋgira kuwa. Ɀirinani kuʋa nomŋeya unoɀininipisa pakati paʋarombo, Pakugoʋana ɀakapambga naʋanoɀikudza. Unoterera Shoko, ucawana ɀakanaka; Unoʋimba naJehova, unomufaro. Unomŋoyo wakacenjera ucanzi wakaŋgwara; Ʋuye miromo inotapira inowedzera dzidzo. Njere itsime roʋupenyu kunounadzo; Asi kurairira kwamapenzi ʋupenzi. Mŋoyo wowakacenjera unodzidzisa muromo wake, Uciwedzera dzidzo pamiromo yake. Mashoko, anofadza, akaita somuȿi woʋuci, Ɀinotapira kumŋeya ɀiciporesa mafupa. Munhu unoʋona nzira aciti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu. Nzara yomuɓati inomuɓatira; Nokuti muromo wake unomukurudzira. Munhu, usinamaturo, unofuŋgira ʋamŋe ɀakaipa; Pamiromo yake panomŋoto unopisa. Munhu wakatsauka unokusha kukakaʋara; Muceri unoparadzanisa shamŋari dzinoɗana. Munhu unomanikidza, unonyeŋgedzera wokwake, Acimutuŋgamirira panzira isinokunaka. Munhu unotsinzina meso ake, unoɀiita kuti afuŋge ɀakatsauka, Unorumana miromo yake, watoita ɀakashata. Vudzi racena ikorona yakaiȿo‐naka, Inowanikwa panzira yokururama. Unomŋoyo murefu unopfuʋura unesimba; Unodzora mŋeya wake, unopfuʋura unotapa musha. Mijenya inokandirwa paŋguʋo dzecifuʋa; Asi ɀireʋo ɀose ɀinotemŋa nayo ɀinobva kunaJehova.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 16