Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama ndiko kubva pane zvakaipa; Anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo, Pakugovana zvakapambwa navanozvikudza. Anoteerera Shoko, achawana zvakanaka; Anovimba naJehovha, ano mufaro. Ano mwoyo wakachenjera achanzi akangwara; Uye miromo inotapira inowedzera dzidzo. Njere itsime roupenyu kunoanadzo; Asi kurairira kwamapenzi hupenzi. Mwoyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake, Uchiwedzera dzidzo pamiromo yake. Mashoko, anofadza, akaita somusvi wohuchi, Zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa. Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu. Nzara yomubati inomubatira; Nokuti muromo wake unomukurumidzira. Munhu, asina maturo, anofungira vamwe zvakaipa; Pamiromo yake pano moto unopisa. Munhu akatsauka anokusha kukakavara; Mucheri anoparadzanisa shamwari dzinodana. Munhu anomanikidza, anonyengedzera wokwake, Achimutungamirira panzira isina kunaka. Munhu anotsinzina meso ake, anozviita kuti afunge zvakatsauka, Anorumana miromo yake, atoita zvakashata. Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka, Inowanikwa panzira yokururama. Ano mwoyo murefu anopfuura ane simba; Anodzora mweya wake, anopfuura anotapa musha. Mijenya inokandirwa panguo dzechipfuva; Asi zvirevo zvose zvinotemwa nayo zvinobva kuna Jehovha.
Verenga chikamu Zvirevo 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 16:17-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo