Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 14:1-18

Zvirevo 14:1-18 BDSC

Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro. Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha, asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza. Kutaura kwebenzi kunouyisa shamhu kumusana kwaro, asi miromo yavakachenjera inovadzivirira. Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chinhu, asi pasimba renzombe ndipo panobva kukohwa kukuru. Chapupu chechokwadi hachinyengeri, asi chapupu chenhema chinodurura nhema. Mudadi anotsvaka uchenjeri asi anohushaya, asi ruzivo runouya zviri nyore kune anonzvera. Gara kure nomunhu benzi, nokuti haungawani ruzivo kubva pamiromo yake. Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake, asi upenzi hwamapenzi ndihwo unyengeri. Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi, asi kuita zvakanaka kunowanikwa pakati pavakarurama. Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo, uye hapana munhu angagoverana nawo mufaro wawo. Imba yeakaipa ichaparadzwa, asi tende rowakarurama richabudirira. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi kumagumo inotungamirira kurufu. Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa, uye mufaro ungangoperera mukusuwa. Vasingatendi vachapiwa mubayiro wakazara wenzira dzavo, uye munhu akanaka achapiwa mubayiro wenzira dzakewo. Munhu asina mano anongotenda zvose zvose, asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake. Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya. Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi, uye munhu anoita zvounyengeri achavengwa. Vasina mano vachagara nhaka youpenzi, asi vakangwara vachapfekedzwa korona yezivo.