Zvirevo 14:1-18
Zvirevo 14:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro. Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha, asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza. Kutaura kwebenzi kunouyisa shamhu kumusana kwaro, asi miromo yavakachenjera inovadzivirira. Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chinhu, asi pasimba renzombe ndipo panobva kukohwa kukuru. Chapupu chechokwadi hachinyengeri, asi chapupu chenhema chinodurura nhema. Mudadi anotsvaka uchenjeri asi anohushaya, asi ruzivo runouya zviri nyore kune anonzvera. Gara kure nomunhu benzi, nokuti haungawani ruzivo kubva pamiromo yake. Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake, asi upenzi hwamapenzi ndihwo unyengeri. Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi, asi kuita zvakanaka kunowanikwa pakati pavakarurama. Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo, uye hapana munhu angagoverana nawo mufaro wawo. Imba yeakaipa ichaparadzwa, asi tende rowakarurama richabudirira. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi kumagumo inotungamirira kurufu. Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa, uye mufaro ungangoperera mukusuwa. Vasingatendi vachapiwa mubayiro wakazara wenzira dzavo, uye munhu akanaka achapiwa mubayiro wenzira dzakewo. Munhu asina mano anongotenda zvose zvose, asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake. Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya. Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi, uye munhu anoita zvounyengeri achavengwa. Vasina mano vachagara nhaka youpenzi, asi vakangwara vachapfekedzwa korona yezivo.
Zvirevo 14:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mukadzi mumwe nomumwe akachenjera anovaka imba yake; Asi benzi rinoiputsa namaoko aro. Anofamba nokururama kwake, anotya Jehovha; Asi akatsauka panzira dzake, anomudzidza. Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi; Asi miromo yavakachenjera inovachengeta. Kana pasina nzombe, chidyiro hachine chiro; Asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe. Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema; Asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema. Mudadi anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere. Ibva pamberi pebenzi, Nokuti haungawani miromo yezivo kwaari. Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera. Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira; Asi pakati pavakarurama panokufarirana. Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; Mweni haangagoverani nomufaro wawo. Imba yowakaipa ichaparadzwa; Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka. Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu. Kunyange munhu angaseka hake, mwoyo ungava neshungu; Kuguma kwomufaro ndiko kuchema. Ano mwoyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari. Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake. Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rina manyawi, richizvitenda. Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa. Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo.
Zvirevo 14:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ungwaru hunovaka imba yahwo asi upenzi hunozviparadzira imba yahwo. Anofamba mukutendeseka anotya Tenzi. Asi munhu woujarijari anoshora Tenzi. Kutaura kwebenzi ndiyo shamhu inorirova musana asi zvinotaura vangwaru ndizvo zvinovachengetedza. Pasina mombe hapanawo mbeswa asi nesimba remombe mbeswa dzinowanda. Chapupu chakatendeka hachirevi nhema asi chapupu chenhema chinonyepa. Munyombi angatsvake zvake ungwaru asi hapana chimuko asi munhu anonzwisisa anowana ruzivo nyore. Siana nebenzi nokuti hapana mashoko oungwaru aunowana pariri. Kuziva nzira dzake ndihwo ungwaru hwomuchenjeri, asi unyengedzi ndihwo upenzi hwebenzi. Benzi rinoshora mupiro wokupfupira zvitadzo asi wakarurama anofadzwa nawo. Mwoyo ndiwo unoziva kurwadziwa kwawo, mumwewo munhu haagone kugoverana rufaro nawo. Musha womunhu akaipa unoparadzwa asi musasa womunhu akarurama unofambira mberi. Pane dzimwe nzira dzaunofunga kuti inzira kwadzo asi mugumo wadzo rufu. Munhu anogona kuseka zvake asi mumwoyo make muino kusuwa panopera kufara-fara kuya, yauya nhamo. Munhu wakaipa achazadzwa nomubayiro wezvaanoita wakanakawo nemichero yezviito zvake. Munhu asina pfungwa dzakadzama anongobvumira zvose zvose asi munhu wakangwara anotarisa paanotsika. Mungwaru anochenjerera zvinhu uye anonzvenga zvakaipa asi benzi rinozviita suku nasai, harikendenge. Munhu anokurumidza kushatirwa zvaanoita ndezvoupenzi asi munhu anoona zvinhu nemazvo anoita mwoyo murefu. Vanhu vasina pfungwa dzakadzama chavo upenzi, vakangwara chavo indaza yoruzivo.
Zvirevo 14:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mukadzi mumŋe nomumŋe wakacenjera unoʋaka imba yake; Asi ɓenzi rinoiputsa namaʋoko aro. Unofamba nokururama kwake, unotya Jehova; Asi wakatsauka panzira dzake, unomuɀidza. Mumuromo weɓenzi muneshamhu yamanyawi; Asi miromo yaʋakacenjera inoʋaceŋgeta. Kana pasinenzombe, cidyiro hacineciro; Asi ɀiɓereko ɀizhinji ɀinoʋuya nesimba renzombe. Capupu, cakatendeka, hacireʋi nhema; Asi capupu cenhema cinoɓuɗisa mashoko enhema. Muɗaɗi unotȿaka ʋucenjeri, asi haʋu’po; Asi ziʋo haitani kuwanikwa naʋanenjere. Ibva pamberi peɓenzi, Nokuti hauŋgawani miromo yeziʋo kwaari. Ʋucenjeri bgomunhu wakaŋgwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi ʋupenzi bgamapenzi ʋunonyeŋgedzera. Ciɓayiro ceɀiʋi camapenzi cinoɗaɗira; Asi pakati paʋakarurama panokufarirana. Mŋoyo mumŋe nomumŋe unoziʋa kutambudzika kwawo; Mŋeni haaŋgagoʋerani nomufaro wawo. Imba yowakaipa icaparadzwa; Asi tente rowakarurama ricafara ɀakanaka. Munhu unoʋona nzira aciti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu. Kunyaŋge munhu aŋgaseka hake, mŋoyo uŋgaʋa neshuŋgu; Kuguma kwomufaro ndiko kucema. Unomŋoyo, unodzokera shure, ucagutiswa nenzira dzake; Asi munhu wakanaka ucagutiswa neɀinobva maari. Usina mano unotenda mashoko ose; Asi wakaŋgwara unoŋgwarira mafambiro ake. Wakacenjera unotya ɀakashata, aciɀinɀeŋga; Asi ɓenzi rinamanyawi, riciɀitenda. Unokurumidza kutsamŋa, ucaita noʋupenzi; Ʋuye munhu, unofuŋga mano akaipa, ucaʋeŋgwa. Ʋasina mano ʋanogara nhaka yoʋupenzi; Asi ʋakaŋgwara ʋacadzikwa korona yeziʋo.
Zvirevo 14:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)