Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 14:1-18

Tsumo 14:1-18 SCLB

Ungwaru hunovaka imba yahwo asi upenzi hunozviparadzira imba yahwo. Anofamba mukutendeseka anotya Tenzi. Asi munhu woujarijari anoshora Tenzi. Kutaura kwebenzi ndiyo shamhu inorirova musana asi zvinotaura vangwaru ndizvo zvinovachengetedza. Pasina mombe hapanawo mbeswa asi nesimba remombe mbeswa dzinowanda. Chapupu chakatendeka hachirevi nhema asi chapupu chenhema chinonyepa. Munyombi angatsvake zvake ungwaru asi hapana chimuko asi munhu anonzwisisa anowana ruzivo nyore. Siana nebenzi nokuti hapana mashoko oungwaru aunowana pariri. Kuziva nzira dzake ndihwo ungwaru hwomuchenjeri, asi unyengedzi ndihwo upenzi hwebenzi. Benzi rinoshora mupiro wokupfupira zvitadzo asi wakarurama anofadzwa nawo. Mwoyo ndiwo unoziva kurwadziwa kwawo, mumwewo munhu haagone kugoverana rufaro nawo. Musha womunhu akaipa unoparadzwa asi musasa womunhu akarurama unofambira mberi. Pane dzimwe nzira dzaunofunga kuti inzira kwadzo asi mugumo wadzo rufu. Munhu anogona kuseka zvake asi mumwoyo make muino kusuwa panopera kufara-fara kuya, yauya nhamo. Munhu wakaipa achazadzwa nomubayiro wezvaanoita wakanakawo nemichero yezviito zvake. Munhu asina pfungwa dzakadzama anongobvumira zvose zvose asi munhu wakangwara anotarisa paanotsika. Mungwaru anochenjerera zvinhu uye anonzvenga zvakaipa asi benzi rinozviita suku nasai, harikendenge. Munhu anokurumidza kushatirwa zvaanoita ndezvoupenzi asi munhu anoona zvinhu nemazvo anoita mwoyo murefu. Vanhu vasina pfungwa dzakadzama chavo upenzi, vakangwara chavo indaza yoruzivo.

Verenga chikamu Tsumo 14