Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 11:16-31

Zvirevo 11:16-31 BDSC

Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa, asi varume vane utsinye vachawana pfuma chete. Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko. Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyengedzera, asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi. Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu, asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake. Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa, asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa. Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi, asi vakarurama vachasunungurwa. Sezvakaita mukaro wegoridhe mumhino dzenguruve, ndizvo zvakaitawo mukadzi akanaka pachiso asi asina njere. Chishuvo cheakarurama chinoguma mune zvakanaka chete, asi tariro yeakaipa inogumira mukutsamwirwa. Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda; mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi agova murombo. Munhu anopavhurira achabudirira; uyo anomutsiridza vamwe achamutsiridzwawo. Vanhu vanotuka munhu anounganidza zviyo vamwe vasina, asi mukomborero uchava korona youyo anofarira kutengesa. Uyo anotsvaka zvakanaka achawana nyasha, asi zvakaipa zvinosvika kune uyo anozvitsvaka. Ani naani anovimba noupfumi hwake achawa, asi akarurama achanaka seshizha nyoro. Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete, uye benzi richava muranda womunhu akachenjera. Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu, uye anotungamirira mweya yavanhu kuruponeso ndiye akachenjera. Kana vakarurama vachiwana zvakavafanira panyika, ko, kuzoti akaipa nomutadzi!