Mukadzi ano hunhu anoremekedzwa asi murume anoita zvechisimba chaanowana upfumi. Murume ane mwoyo wakanaka zvinhu zvinomufambira zvakanaka asi murume ane mwoyo wohutsinye anozvikuvadza. Munhu wakaipa anowana mubayiro wounyengedzi asi anodyara ururami anowana mubayiro kwawo. Anosimbirira muururami anorarama asi anoronda uipi anofa. Vanhu vane mwoyo wakaipa Tenzi haavadi asi vasina mhosva anofadzwa navo. Iva nechokwadi chokuti munhu akaipa anorangwa chete asi vana vavakarurama vanonunurwa. Zvakangoita ringi rendarama riri mumhuno yenguruve ndozvakaita mukadzi ano runako asi asinganzwisisi. Chido chomururami chinopera nomune zvakanaka asi chitarisiro chavakaita kuitirwa hasha. Mumwe ndimupanogombe asi achitobva atopfumisisa mumwe ndikanyimiramundiro asi achiva murombo. Munhu anopa achapfuma anogutsa vamwe achagutswawo. Vanhu vanoti munhu anoomerera nembesanwa dai awana chinomuwana asi anodzitengesa ane chikomborero. Munhu anotsvaka zvakanaka anotsvaka kudiwa asi uipi hunouya kune anoutsvaka. Munhu anovimba nepfuma achasvava asi mururami achapfumvudza seshizha nyoro. Anotambudza vemumba make mhepo ndiyo nhaka yake benzi richava muranda wavakangwara. Muchero wavakarurama muti woupenyu asi kusachengeta mutemo kunoparadzisa upenyu. Kana wakarurama achiwana mubayiro wake panyika ko kutozoti wakaipa nomutadzi?
Verenga chikamu Tsumo 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 11:16-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo