Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 1:10-19

Zvirevo 1:10-19 BDSC

Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite. Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva; ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba; tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba; isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,” mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo; nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa. Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona! Varume ava vanovandira ropa ravo vomene; vanozvivandira ivo pachavo! Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana.