Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 1:10-19

Tsumo 1:10-19 SCLB

Mwanangu, vatadzi vakakunyengetedza kuita chinhu, usabvume. Kana vakati, “Uya tiende tindovandira vanhu tivauraye tindovhurumukira kuvarwisa vasina mhaka uye zvisina tsarukano sezvinoita nzvimbo yavafi tivamedze vari vapenyu vakangodaro sezvavakaita sezvinoita vanodzika muguva, tichawana zvose zvakakosha tigozadza dzimba dzedu nezvinhu zvokupamba, isa mugove wako kwatiri tive nechikwama chimwechete.” Mwanangu, rega kufamba munzira navo usarege tsoka yako ichienda munzira dzavo nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira kuuipi uye vanokurumidza kudeura munhu ropa nokuti hazvina zvazvinobatsira kuteya urimbo shiri dzichiona. Vanhu ivava kutozvivandira ikoko kuti ivo vafe vanovandira kuparara kwoupenyu hwavo pachavo. Iwoyu ndiwo mugumo wavose vanowana zvinhu nenzira isina kunaka zvinoparadza upenyu hwomuridzi wazvo.

Verenga chikamu Tsumo 1