Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 1:1-7

Zvirevo 1:1-7 BDSC

Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri: kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere; kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira; kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano, vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa, kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera. Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.