Tsumo dzaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsiraeri dzokuti vanhu vazive ungwaru nezvidzidzo kuti vanzwisise mashoko ezvakadzama, dzinoitawo kuti munhu adzidze uchenjeri, ururami, noruenzaniso nokuva pachokwadi. Kuitirawo kuti vanhuwo zvavo vapiwe uchenjeri nevechidiki kufunga. Mungwaru achadzinzwawo agopamhidzira ruzivo anonzwisisa agowanawo mano. Kuri kuitira kuti munhu anzwisise tsumo namadimikira uye mazwi avangwaru nezvirahwe zvavo. Kutya Tenzi ndiko kutanga kworuzivo mapenzi anoshora ungwaru nechidzidziso.
Verenga chikamu Tsumo 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 1:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo