Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Firimoni 1:10-14

Firimoni 1:10-14 BDSC

ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu. Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni. Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo. Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri. Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako.