Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 5:25-32

Mako 5:25-32 BDSC

Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake, nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.” Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake. Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?” Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ” Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMako 5:25-32