Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 5:25-32

Mariko 5:25-32 SCLB

Zvino paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri. Akanga aona nhamo mudzin'anga dzakawanda maaifamba, maakanga apedzera zvinhu zvake zvose asi pasina kana chiyamuro; akatenge otonyanya kurwara. Zvaakanga anzwa nezvaJesu akauya necheshure kwake, ari mukati moruzhinji, ndokusvikobata hanzu yake, nokuti aiti, “Kana ndikangobata kunyange hanzu dzake bedzi, ndichabva ndapora.” Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda, akabva azvinzwa mumuviri wake kuti chirwere charapwa. Pakarepowo Jesu akabva aziva nechomumwoyo kuti simba rabuda maari; akatendeukira mukati megurusvusvu ravanhu achiti, “Ndiani abata hanzu yangu?” Ipapo vadzidzi vake vakati kwaari, “Muri kuona gurusvusvu ravanhu richidzvinyirirana nemi, asi imi moti, ‘Ndiani andibata?’ ” Akaringa–ringa achida kuona kuti akanga aita izvi ndiani.

Verenga chikamu Mariko 5

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMariko 5:25-32