Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakaita sarudzo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato.
Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.”
Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo. Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.”
Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo.
Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu. Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu. Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita.
Pirato akabvunza akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” achiziva kuti zvaingova zvegodo ravaprista vakuru kuti vakaisa Jesu mumaoko ake. Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu.
Pirato akabvunza akati, “Ndichaiteiko, zvino, nouyo wamunoti mambo wavaJudha?”
Vakadanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”
Pirato akavabvunza akati, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yeiko?”
Asi vakanyanya kudanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”
Achida kufadza vanhu, Pirato akasunungura Bharabhasi. Akaita kuti Jesu arohwe, uye akamuendesa kuti andorovererwa.
Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda, Piritoriamu, uye vakaunganidza pamwe chete boka rose ravarwi. Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira korona yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!” Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.