Mako 15:1-20
Mako 15:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakarepo mangwanani vapristi vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato. Pirato akamubvunza, akati, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Akapindura, akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.” Vapristi vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji. Pirato akamubvunzazve akati, “Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera zvizhinji seiko!” Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo. Zvino pamutambo waisivasunungurira musungwa mumwe, wavanenge vaikumbira. Zvino kwakanga kuno mumwe wainzi Bharabhasi, akanga asungwa pamwechete navamwe vakanga vamutsa bope, vakauraya vanhu pabope iroro. Vanhu vazhinji vakakwira, vakatanga kukumbira kuna Pirato kuti avaitire saizvozvo. Pirato akavapindura, akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here.” Nokuti akanga achiziva kuti vapristi vakuru vakanga vamuisa kwaari negodo. Zvino vapristi vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vati zviri nani avasunungurire Bharabhasi. Pirato akapindurazve, akati kwavari, “Ndichagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo wavaJudha?” Vakadanidzirazve, vachiti, “Murovere pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Akagotadzeiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa!” Zvino Pirato, nokuti akanga achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakaunganidza hondo yose; vakamupfekedza nguo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo. Vakatanga kumukwazisa, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakapfugama namabvi, vakamunamata. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, ndokumupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.
Mako 15:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakaita sarudzo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato. Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.” Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo. Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.” Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo. Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu. Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu. Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita. Pirato akabvunza akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” achiziva kuti zvaingova zvegodo ravaprista vakuru kuti vakaisa Jesu mumaoko ake. Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu. Pirato akabvunza akati, “Ndichaiteiko, zvino, nouyo wamunoti mambo wavaJudha?” Vakadanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!” Pirato akavabvunza akati, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yeiko?” Asi vakanyanya kudanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!” Achida kufadza vanhu, Pirato akasunungura Bharabhasi. Akaita kuti Jesu arohwe, uye akamuendesa kuti andorovererwa. Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda, Piritoriamu, uye vakaunganidza pamwe chete boka rose ravarwi. Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira korona yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!” Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
Mako 15:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti kwangoedza, vapristi vakuru vakagara dare navakuru vakuru vavaJudha nenyanzvi dzoMutemo neDare guru rose. Vakasunga Jesu, ndokuenda naye kundomuturira kuna Pirato. Pirato akamubvunza achiti, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Iye akapindura achiti, “Inga matozvireva wani.” Vapristi vakuru vakamupomera mhosva zhinji. Pirato akamubvunzazve achiti, “Ko hauna chaunopindura here? Inzwa kuti vanokupomera mhosva dzakawanda sei?” Asi Jesu haanazve chaakapindura kwete, zvokuti Pirato akashamiswa. Nguva dzose, pamazuva makuru aya, Pirato aivasunungurira musungwa mumwechete wavainge vakumbira. Mukati mavapanduki vaiva mujeri, vakanga vauraya munhu muchimurenga, maiva nomumwe murume ainzi Bharabhasi. Kuzoti mhomho yavanhu yakwira kwaPirato, yakatanga kumukumbira kuti avaitire zvaaisimbovaitira. Zvino Pirato akavabvunza achiti, “Ko munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” Nokuti akanga azviona kuti vapristi vakuru vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje. Asi vapristi vakuru vakapesvera vanhu kuti avasunungurire zvavo Bharabhasi. Pirato akapindurazve achiti, “Ko ndoitei nowamunoti mambo wavaJudha?” Vakadaidzirazve vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.” Pirato ndokuti kwavari, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yei?” Vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.” Zvino Pirato zvaaida kufadza mhomho yavanhu akavasunungurira Bharabhasi. Asi mushure mokurova Jesu akamuturira kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. Masoja akaenda naJesu munhandare, mumuzinda womutongi wacho wainzi (Pretoriumu,) vakaunganidza boka rose ramasoja. Vakazomupfekedza hanzu yoruvara rwohute ndokuruka chiremba cheminzwa vakachidzika paari. Vakazotanga kumukwazisa vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” Vaimurova musoro norutsanga, vachimupfira mate nokumupfugamira vachimukudza. Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa hanzu yoruvara rwohute iya vomupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.
Mako 15:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakarepo maŋgwanani ʋaprista ʋakuru ʋakaraŋgana naʋakuru naʋanyori namakurukota ose, ʋakasuŋga Jesu, ʋakaenda naye, ʋakamuisa kunaPirato. Pirato akamubvunza, akati: Ndiwe Mambo waʋaJuda here? Akapindura, akati kwaari: Ndiɀo ɀamataura. Ʋaprista ʋakuru ʋakaramba ʋacimupomera ɀizhinji. Pirato akamubvunza ɀe akati: Haupinduri cinhu here? Cinzwa, ʋanokupomera ɀizhinji seiko! Asi Jesu haana‐kuzopindura cinhu, Pirato akashamiswa naɀo. Ɀino pamutambo waisiʋasunuŋgurira musuŋgwa mumŋe, waʋaneŋge ʋaikumbira. Ɀino kwakaŋga kunomumŋe wainzi Barabasi, wakaŋga asuŋgwa pamŋe cete naʋamŋe ʋakaŋga ʋamutsa ɓope, ʋakaʋuraya ʋanhu paɓope irero. Ʋanhu ʋazhinji ʋakakwira, ʋakataŋga kukumbira kunaPirato kuti aʋaitire saiɀoɀo. Pirato akaʋapindura, akati: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei Mambo waʋaJuda here? Nokuti wakaŋga aciziʋa kuti ʋaprista ʋakuru ʋakaŋga ʋamuisa kwaari negoɗo. Ɀino ʋaprista ʋakuru ʋakakurudzira ʋanhu ʋazhinji, kuti ʋakumbire kuti ɀirinani aʋasunuŋgurire Barabasi. Pirato akapindura ɀe, akati kwaʋari: Ndicagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo waʋaJuda? Ʋakaɗanidzira ɀe, ʋaciti: Muroʋere pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: wakagotadzeiko? Ʋakanyanyisa kuɗanidzira, ʋaciti: Muroʋere pamucinjikwa! Ɀino Pirato, nokuti wakaŋga aciɗa kufadza ʋanhu ʋazhinji, akaʋasunuŋgurira Barabasi, asi Jesu wakamuroʋesa, akamuisa kwaʋari kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋarwi ʋakamuisa mukati moruʋazhe, imo muimba yomuɓati, ʋakaʋuŋganidza hondo yose; ʋakamupfekedza ŋguʋo tȿuku, ʋakaruka korona yeminzwa, ʋakamudzika iyo. Ʋakataŋga kumukwazisa, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamuroʋa musoro norutsaŋga, ʋakamupfira mate, ʋakafugama namabvi, ʋakamunamata. Ʋakati ʋamuseka, ʋakamubvisa ŋguʋo tȿuku, ndokumupfekedza ŋguʋo dzake, ʋakaenda naye kundomuroʋera pamucinjikwa.
Mako 15:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)