Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari, uye akatanga kuvadzidzisa achiti: “Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa. Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo. Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi. Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari. Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
Verenga chikamu Mateo 5
Terera ku Mateo 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 5:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo