Jesu akati achiona gurusvusvu riya ravanhu akakwira mugomo. Paakagara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari. Akazarura muromo wake akavadzidzisa achiti: “Vakakomborerwa zvavo varombo mumweya nokuti umambo hwedenga ndohwavo. Vakakomborerwa zvavo vanochema nokuti vachanyaradzwa vakakomborerwa zvavo vakapfava nokuti vachawana nhaka yenyika. Vakakomborerwa zvavo vane nzara nenyota yoururami nokuti vachagutswa. Vakakomborerwa zvavo vane tsitsi nokuti vachaitirwawo tsitsi. Vakakomborerwa zvavo vakachena pamwoyo nokuti vachaona Mwari. Vakakomborerwa zvavo vawadzanisi nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami nokuti umambo hwedenga ndohwavo. Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai.
Verenga chikamu Mateu 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 5:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo