Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 4:8-11

Mateo 4:8-11 BDSC

Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ” Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateo 4:8-11