Mateo 4:8-11
Mateo 4:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ” Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.
Mateo 4:8-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dhiabhori akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo; akati kwaari, “Izvi zvose ndichakupa, kana ukawira pasi ukandipfugamira.” Ipapo Jesu akati kwaari, “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Pfugamira Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ” Zvino Dhiabhori akamusiya, vatumwa vakauya vakamushandira.
Mateo 4:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhiabhori akamutorazve akaenda naye kugomo refu–refu akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nembiri yaho. Satani akati kwaari, “Zvose izvi ndinokupa kana ukati pasi gwadagwa uchindinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibvapo! Satani nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako. Iye oga ndiye waunofanira kushandira.’ ” Dhiabhori akabva akamusiya. Vatumwa vakabva vauya kuzomushandira.
Mateo 4:8-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Diaborosi akamuisa ɀe pagomo refu‐refu, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika, nokubginya kwabgo; akati kwaari: Iɀi ɀose ndicakupa, kana ukawira pasi ukandinamata. Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. Ɀino Diaborosi akamurega, ʋatumŋa ʋakaʋuya ʋakamushumira.
Mateo 4:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)