Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 4:8-11

Mateu 4:8-11 SCLB

Dhiabhori akamutorazve akaenda naye kugomo refu–refu akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nembiri yaho. Satani akati kwaari, “Zvose izvi ndinokupa kana ukati pasi gwadagwa uchindinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibvapo! Satani nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako. Iye oga ndiye waunofanira kushandira.’ ” Dhiabhori akabva akamusiya. Vatumwa vakabva vauya kuzomushandira.

Verenga chikamu Mateu 4

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateu 4:8-11