Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?”
Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.”
Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe. Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.”
Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji.
Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!”
Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi.
Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu. Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe. Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena, akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda.