Mateo 27:46-60
Mateo 27:46-60 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.” Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe. Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.” Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji. Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!” Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi. Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu. Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe. Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena, akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda.
Mateo 27:46-60 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eri, Eri, rama sabakitani?” Ndokuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo, vachinzwa, vakati, “Uyo anodana Eria.” Pakarepo mumwe wavo wakamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga, ndokuchiisa parutsanga, akamunwisa. Vamwe vakati, “Regai, timboona kana Eria achizouya kumuponesa.” Zvino Jesu akadanidzirazve nezwi guru, ndokubva afa. Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; mabwiro akazaruka, zvitunha zvizhinji zvavarurami, vakanga vavete, zvakamutswa; zvikabuda pamabwiro, iye akati amuka, vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa navazhinji. Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.” Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure, vakanga vatevera Jesu, vachibva Gariria vachimushandira. Pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharene, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vavanakomana vaZebhedhi. Zvino ava madeko kukasvika mumwe mupfumi weArimatia, ainzi Josefa, akanga ari mudzidzi waJesu, akaenda kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akarayira kuti apiwe. Josefa akatora chitunha, akachiputira nomucheka muchena, akauviga mubwiro hwake hutsva, hwaakanga azvigadzirira iye; akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro, akabva oenda.
Mateo 27:46-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Neawa inenge yechitatu masikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eri Eri rama sabhakitani” zvinoreva kuti, “Mwari wangu Mwari wangu mandisiireiko.” Vamwe vakanga vakamirapo pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu ari kudaidza Eriya.” Mumwe wavo, pakarepo, akamhanya akatora chifovefove ndokuchinyika muwaini inovava kusvika chazara. Akachibairira parutsanga akamupa kuti anwe. Asi vamwe vakati, “Mirai tione kuti Eriya achauya kuzomuponesa here.” Jesu akadaidzira zvakare nezwi guru ndokubva afa. Hero jira romuTemberi rokudzikatirisa rakabva rabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvika pasi. Nyika yakandengendeka; matombo akatsemuka. Makuva akazaruka. Vanhu vazhinji vakafa vatsvene vakamutswa. Vakabuda mumakuva mushure mokumuka kwake. Vakapinda muguta dzvene vakaonekwa navazhinji. Mutungamiriri wezana ramasoja navaakanga ainavo vachichengetedza Jesu, vakaona kundengendeka nezvakanga zvaitika vakabatwa nokutya kukuru vakati, “Zvechokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” Pakangawo paina madzimai mazhinji ipapo akanga akatarisa ari chinhambwe, akanga atevera Jesu kubva Garirea achimushandira. Pakati pavo paiva naMaria Maghadharena naMaria amai Jemusi naJosefi namai vavanakomana vaZebhedhi. Ava manheru kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatia ainzi Josefi aivawo mudzidzi waJesu, akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akati ngachipiwe kwaari. Josefi akatora chitunha ndokuchiputira mufuko rakachena. Akachiradzika muguva rake idzva raakanga azvichezera mudombo. Akakungurutsira dombo guru pamusuo weguva iroro ndokuenda zvake.
Mateo 27:46-60 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa ineŋge yepfumbamŋe, Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Eri, Eri, rama sabaktani? Ndokuti: Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Uyo unoɗana Eria. Pakarepo mumŋe waʋo wakamhanya, akatora cipanje, akacizadza nevinega, ndokuciisa parutsaŋga, akamunwisa. Ʋamŋe ʋakati: Regai, timboʋona kana Eria acizoʋuya kumuponesa. Ɀino Jesu akaɗanidzira ɀe nenzwi guru, akarega mŋeya wake. Ipapo tarira, cidzitiro cetembere cakabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi; nyika ikaɗeŋgenyeka, mabge akatsemuka; mabgiro akazaruka, nemitumbu mizhinji yaʋatȿene, ʋakaŋga ʋaʋete, yakamutswa; ʋakaɓuɗa pamabgiro, iye amuka, ʋakapinda muguta dɀene, ʋakaʋonekwa naʋazhinji. Ɀino mukuru wezana, naʋairinda Jesu naye, ʋakati ʋaciʋona kuɗeŋgenyeka kwenyika, neɀakaitwa, ʋakatya ɀikuru, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari. Ʋakadzi ʋazhinji ʋakaŋga ʋari’po, ʋakatarira ʋari kure, ʋakaŋga ʋateʋera Jesu, ʋacibva Garirea ʋacimushandira. Pakati paʋo kwakaŋga kunaMaria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo naJose, namai ʋaʋanakomana ʋaZebedi. Ɀino aʋa maɗeko kukaȿika mumŋe mufumi weArimatea, wainzi Josefa, wakaŋga ari mudzidzi waJesu amene, akaenda kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akaraira kuti apiwe. Josefa akatora mutumbu, akauputira nomuceka mucena, akauʋiga mubgiro bgake bgutȿa, bgaakaŋga acera pabge; akakuŋgurusira ibge guru pamuromo wobgiro, akabva.
Mateo 27:46-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)