Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 23:1-28

Mateo 23:1-28 BDSC

Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti, “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi. Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise. “Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo. Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge. Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu. “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama. Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga. Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu. Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu. Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi. Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi. “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’ Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene? Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’ Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene? Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi. Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi. Uye uyo anopika nedenga anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga. Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora. Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina. Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.