Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 23:1-28

Mateo 23:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti, “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi. Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise. “Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo. Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge. Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu. “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama. Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga. Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu. Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu. Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi. Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi. “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’ Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene? Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’ Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene? Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi. Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi. Uye uyo anopika nedenga anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga. Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora. Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina. Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 23

Mateo 23:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jesu akataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake, akati, “Vanyori navaFarisi vagere pachigaro chaMosesi; saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo. Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanokurisa mipeto yenguo dzavo, vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare, nokunzi, ‘Rabhi’ navanhu. Asi imi musanzi, ‘Rabhi;’ nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe, imi mose muri hama. Musati munhu ari panyika baba venyu, nokuti mumwechete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga. Musati ‘Vatenzi,’ nokuti mumwechete, nditenzi wenyu, iye Kristu. Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu. Ani naani anozvikudza achaninipiswa, naani naani anozvininipisa, achakudzwa. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwedenga; nokuti imi hamupindi mumene, naivo, vopinda, hamuvatenderi kupinda. [ Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munoparadza dzimba dzechirikadzi muchiita minyengetero mirefu yemanomano; naizvozvo muchatongerwa zvakaipa nokupfuurisa.] “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munofamba pagungwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumwe; kana awanikwa, munomuita mwanakomana weGehena kukunda imi kaviri. “Mune nhamo, imi vatungamiriri vakapofumara, munoti, ‘Ani naani anopika netemberi, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nendarama yetemberi, ndiye anemhosva.’ Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, ndarama kana temberi, inoita ndarama ive tsvene? Munotizve, ‘Ani naani anopika nearitari, hazvina hazvo; asi ani naani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ndiye ane mhosva.’ Imi mapenzi namapofu! Chikuru ndechipiko, chipo kana aritari, inoita chipo chive chitsvene? “Naizvozvo, anopika nearitari, anopika nayo, nezvose zviri pamusoro payo. “Neanopika netemberi, anopika nayoo, neanogara mairi. Neanopika nedenga, anopika nechigaro choushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi chemindi, neanisi, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurayiro, zvinoti kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo. Imi vatungamiri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza ngamera. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nekukara nokusazvidzora. “Iwe muFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose. Saizvozvo nemiwo munoonekwa navanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 23

Mateo 23:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jesu wakataura kuʋanhu ʋazhinji naʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanyori naʋaFarise ʋagere pacigaro caMosesi; saka ɀose ɀaʋanokuʋudzai, muɀiite nokuɀiceŋgeta, asi musateʋera maɓasa aʋo; nokuti ʋanotaura, asi haʋaiti. Ʋanosuŋga mitoro inorema, inotambudza kutakura, ʋaciiisa pamafudzi aʋanhu, asi iʋo ʋamene haʋaɗi kuiɓata nomunwe waʋo. Asi maɓasa aʋo ose ʋanoaita kuti ʋaʋonekwe naʋanhu; nokuti ʋanofarisa mafirakitera aʋo, ʋanokurisa mipeto yeŋguʋo dzaʋo, ʋanofarira ɀigaro ɀapamberi pamitambo, neɀigaro ɀapamberi mumasingagoge, nokukwaziswa paɗare, nokuidzwa Rabi naʋanhu. Asi imi musaidzwa Rabi; nokuti mudzidzisi wenyu ndomumŋe, imi mose muri hama. Musaidza munhu uri panyika ɓaɓa ʋenyu, nokuti mumŋe cete ndiƂaɓa ʋenyu, iʋo ʋari kuɗeŋga. Musaidzwa ʋo ʋatenzi, nokuti mumŋe cete ndiTenzi wenyu, iye Kristu. Asi mukuru pakati penyu ŋgaaʋe muranda wenyu. Aninani unoɀikudza ucaninipiswa, naaninani unoɀininipisa, ucakudzwa. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munopfigira ʋanhu ʋushe bgokuɗeŋga; nokuti imi hamupindi mumene, naiʋo, ʋopinda, hamuʋatenderi kupinda. [Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munoparadza dzimba dzecirikadzi muciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; naiɀoɀo mucatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa.] Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munofamba paguŋgwa napanyika kuzotapa mudzidzi mumŋe; kana awanikwa, munomuita mŋanakomana weGehena kukunda imi kaʋiri. Munenhamo, imi ʋatuŋgamiriri ʋakapofumara, munoti: Aninani unopika netembere, haɀina haɀo; asi aninani unopika nendarama yetembere, ndiye unemhoȿa. Imi mapenzi namapofu! Cikuru ndecipiko, ndarama kana tembere, inoita ndarama iʋe tȿene? Munoti ɀe: Aninani unopika neartari, haɀina haɀo; asi aninani unopika necipo ciri pamsoro payo, ndiye unemhoȿa. Imi mapenzi namapofu! Cikuru ndecipiko, cipo kana artari, inoita cipo ciʋe citȿene? Naiɀoɀo, unopika neartari, unopika nayo, neɀose ɀiri pamsoro payo. Nounopika netembere, unopika nayo, nounogara mairi. Nounopika nokuɗeŋga, unopika necigaro coʋushe caMŋari, nounogara pamsoro paco. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munopa cegumi ceminte, neanise, nekumini, mucirega ɀinhu ɀikuru ɀomurairo, ɀinoti: Kururamisira mhaka, neŋgoni, nokutendeka; maifanira kuɀiita iɀi, nokusarega kuita iɀoɀo. Imi ʋatuŋgamiri ʋakapofumara, munomimina runyunyu, mucimedza kamera. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusaɀidzora. Iwe muFarise wakapofumara, taŋga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwaɀo kugocena ʋo. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti makafanana namarinda akaceneswa, anoʋonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa aʋakafa netȿina yose. Saiɀoɀo nemi ʋo munoʋonekwa naʋanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyeŋgera nokuipa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 23