Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 19:16-21

Mateo 19:16-21 BDSC

Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.” Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?” Jesu akapindura akati, “ ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema. Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ ” Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?” Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateo 19:16-21