Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 19:16-21

Mateu 19:16-21 SNA2002

Tarira, mumwe akauya kwaari, akati, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?” Akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Aripo mumwechete akanaka. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.” Akati kwaari, “Ipiko?” Jesu akati, “Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema; kudza baba vako namai vako, ude wokwako sezvaunozvida iwe.” Jaya rikati kwaari, “Izvozvo zvose ndakazvichengeta; ko chipi chandinoshayiwa?” Jesu akati kwaari, “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.”

Verenga chikamu Mateu 19

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateu 19:16-21