Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 16:21-25

Mateo 16:21-25 BDSC

Kubva panguva iyoyo Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema kundotambudzwa kwazvo pamaoko avakuru navaprista vakuru navadzidzisi vemirayiro uye kuti anofanira kuurayiwa nokumutswazve pazuva retatu. Petro akamutora padivi akatanga kumutsiura achiti, “Hazviitiki, Ishe. Izvi hazvisi kuzoitika kwamuri!” Jesu akatendeukira kwaari akati, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumbuso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.” Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.