Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 16:21-25

Mateu 16:21-25 SCLB

Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuratidza vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusaremu achindotambudzika zvikuru zvichibva kuvakuru vakuru navapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu. Pita akamutora ndokutanga kumutsiura achiti, “Mwari haangadaro Tenzi. Hazvimbofa zvakaitika kwamuri izvi.” Jesu akatendeuka akati kuna Pita, “Ndibvirepo, Satani! Uri chipinganidzo, nokuti hausiri kudivi kwaMwari, asi kudivi kwavanhu.” Jesu akataurira vadzidzi vake achiti, “Kana munhu achida kunditevera ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake anditevere, nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu achahuwana.

Verenga chikamu Mateu 16