Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 7:11-17

Ruka 7:11-17 BDSC

Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye. Kuzoti ave kuswedera pasuo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo. Ishe akati achivaona, mwoyo wake wakavanzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.” Ipapo akaswedera pedyo akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake. Vose vakazadzwa nokutya vakarumbidza Mwari. Vakati, “Muprofita mukuru amuka pakati pedu. Mwari auya kuzobatsira vanhu vake.” Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza.