Zvino nezuva rinotevera, akaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye. Zvino, akati achiswedera pedyo nesuo reguta, akaona vanhu vakanga vakatakura munhu akafa, mwanakomana mumwe oga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye. Zvino Ishe akati achimuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari, “Usachema.” Ipapo akaswedera, akabata hwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka.” Iye akanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake. Vose vakabatwa nokutya; vakarumbidza Mwari, vachiti, “Muporofita mukuru akamuka pakati pedu; uyezve Mwari akashanyira vanhu vake.” Shoko iri pamusoro pake rikazwika muJudhea rose nenyika yose yakapoteredza.
Verenga chikamu Ruka 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 7:11-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo