Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:13-33

Ruka 12:13-33 BDSC

Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?” Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.” Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka. Akafunga mumwoyo make akati, ‘Ndichaita seiko? Handina nzvimbo yokuchengetera zviyo zvangu.’ “Ipapo akati, ‘Hezvino zvandichaita. Ndichaputsa matura angu ndigovaka makuru, uye imomo ndimo mandichaunganidza zviyo zvangu nezvinhu zvangu. Uye ndichati kumweya wangu, “Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare.” ’ “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’ “Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei. Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka. Fungai nezvamakunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei! Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya? Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe? “Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya. Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku! Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo. Nokuti vedzimwe ndudzi vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo. Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. “Musatya henyu, imi kaboka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo. Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza.