Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:13-33

Ruka 12:13-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Mumwe wegungano riya ravanhu akati kwaari, “Mudzidzisi taurirai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Asi Jesu akati kwaari, “Nhaiwe, ndiani akandiita mutongi kana mugovanisi wenyu?” Akavati, “Chenjerai mungwarire ruchiva rwose nokuti upenyu womunhu hausi mukuwanda kwezvaanazvo.” Akazobva ovataurira mumwe muenzaniso achiti, “Munda womumwe mupfumi wakapa zvakawanda kwazvo.” Akafunga nechomumwoyo make achiti, “Ndichaita sei nokuti handina mokuchengetera mbesa dzangu.” Akati, “Zvandichaita ndezvizvi. Ndichapaza matura angu ndivake makuru ndigochengetera mbesa dzangu dzose imomo nezviro zvangu. Ipapo ndichazviti kumweya wangu, mweya une zvinhu zvakawanda zvichachengeteka kwamakore mazhinji. Nyatsogara zvako udye uchinwa uchinyatsofara zvako.” Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani. Ndizvozvo zvina munhu anozvichengetera upfumi iye asiri mupfumi kuna Mwari.” Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo. Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi? Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki! “Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo. Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida. Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu. “Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo. Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:13-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?” Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.” Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka. Akafunga mumwoyo make akati, ‘Ndichaita seiko? Handina nzvimbo yokuchengetera zviyo zvangu.’ “Ipapo akati, ‘Hezvino zvandichaita. Ndichaputsa matura angu ndigovaka makuru, uye imomo ndimo mandichaunganidza zviyo zvangu nezvinhu zvangu. Uye ndichati kumweya wangu, “Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare.” ’ “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’ “Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei. Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka. Fungai nezvamakunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei! Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya? Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe? “Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya. Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku! Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo. Nokuti vedzimwe ndudzi vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo. Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. “Musatya henyu, imi kaboka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo. Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:13-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai munun'una wangu kuti agovane nhaka neni.” Iye akati kwaari, “Iwe munhu, ndianiko akandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?” Akati kwavari, “Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.” Akavataurira mufananidzo, akati, “Munda womumwe mupfumi wakanga wabereka kwazvo; akafunga mumwoyo make, akati, ‘Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingaunganidzira mbesanwa dzangu.’ Akati, ‘Ndichaita kudai, ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichaunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka zvandinazvo, ndigoti kumweya wangu, Mweya, une zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji, zorora, udye, unwe, ufare.’ Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, nousiku uhwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?’ “Ndizvo zvakaita munhu anozviunganidzira pfuma, asingapfumi kuna Mwari.” Zvino akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei? Nokuti upenyu hunopfuura zvokudya, nomuviri unopfuwura zvokupfeka. Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei! Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe pahurefu hwake nokufunganya? Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe? “Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, haangakupfekedzi nokupfuurisa, imi vokutenda kuduku here? “Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchanwa; musazvidya mwoyo. Nokuti zvinhu izvozvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi. Asi tsvakai ushe hwavo, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa. “Musatya henyu, imi veboka duku, nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe. Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, pfuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:13-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mumwe wegungano riya ravanhu akati kwaari, “Mudzidzisi taurirai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Asi Jesu akati kwaari, “Nhaiwe, ndiani akandiita mutongi kana mugovanisi wenyu?” Akavati, “Chenjerai mungwarire ruchiva rwose nokuti upenyu womunhu hausi mukuwanda kwezvaanazvo.” Akazobva ovataurira mumwe muenzaniso achiti, “Munda womumwe mupfumi wakapa zvakawanda kwazvo.” Akafunga nechomumwoyo make achiti, “Ndichaita sei nokuti handina mokuchengetera mbesa dzangu.” Akati, “Zvandichaita ndezvizvi. Ndichapaza matura angu ndivake makuru ndigochengetera mbesa dzangu dzose imomo nezviro zvangu. Ipapo ndichazviti kumweya wangu, mweya une zvinhu zvakawanda zvichachengeteka kwamakore mazhinji. Nyatsogara zvako udye uchinwa uchinyatsofara zvako.” Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani. Ndizvozvo zvina munhu anozvichengetera upfumi iye asiri mupfumi kuna Mwari.” Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo. Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi? Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki! “Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo. Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida. Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu. “Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo. Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:13-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mumŋe pakati paʋazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, ʋudzai munuŋuna waŋgu kuti agoʋane nhaka neni. Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutoŋgi kana mugoʋeri pakati penyu? Akati kwaʋari: Cenjerai, muɀiceŋgete pakuciʋa kwose, nokuti ʋupenyu bgomunhu habguzi paɀinhu ɀakawanda ɀaanaɀo. Akaʋataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumŋe mufumi yakaŋga yaɓereka kwaɀo; akafuŋga mumŋoyo make, akati: Ndicaita seiko? Nokuti handina‐pandiŋgaʋuŋganidzira ɀiɓereko ɀaŋgu. Akati: Ndicaita kuɗai: Ndicaputsa matura aŋgu, ndikaʋaka makuru; ndicaʋuŋganidzira’po ɀiyo ɀaŋgu, neɀose ɀaŋgu ɀakanaka, ndigoti kumŋeya waŋgu: Mŋeya, uneɀakawanda ɀakanaka, ɀakaʋigirwa makore mazhinji; zorora, udye, unwe, ufare. Asi Mŋari akati kwaari: Iwe ɓenzi, noʋusiku ubgu ʋacakutorera mŋeya wako; iɀo ɀawagadzira, ɀicagoʋa ɀani? Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀiʋuŋganidzira fuma, asiŋgafumi kunaMŋari. Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Musafuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, kuti mucadyei, kana pamsoro pomuʋiri wenyu, kuti mucapfekei? Nokuti ʋupenyu bgunopfuʋura ɀokudya, nomuʋiri unopfuʋura ɀokupfeka. Fuŋgai makuŋguʋu, kuti haadɀari, haaceki, haanetsapi kana ɗura; asi Mŋari unoapa ɀokudya. Imi munokunda shiri ɀikuru sei! Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? Ɀino kana imi musiŋgagoni kuita cinhu ciɗuku, munofuŋganyireiko pamsoro peɀimŋe? Fuŋgai maruʋa, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. Ɀino kana Mŋari acipfekedza saiɀoɀo ʋuswa bgenyika, bguri’po nhasi, maŋgwana bgokandirwa mucoto, haaŋgakupfekedziyi nokupfuʋurisa, imi ʋokutenda kuɗuku here? Imi musatȿaka ɀamucadya, neɀamucanwa; musaɀidya mŋoyo. Nokuti ɀinhu iɀoɀi ɀose ɀinotȿakwa naʋahedeni; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi. Asi tȿakai ʋushe bgaʋo, naiɀoɀo ɀose mucaɀiwedzerwa. Musatya henyu, imi kapoka kaɗuku, nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanofara nokukupai ʋushe. Teŋgesai ɀamunaɀo, mupe ɀipo; muɀiitire ɀikwama ɀisiŋgasakari, fuma isiŋgaperi kuɗeŋga, pasiŋgaȿiki mbava, pasiŋgaparadzi ɀipfunho.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12