Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana, akazvara mwana mukomana. Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye.
Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria, asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.”
Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.”
Ipapo vakaninira namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana. Akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo. Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari. Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose. Vanhu vose vakazvinzwa vakashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.
Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:
“Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe,
nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.
Akatisimudzira runyanga rworuponeso
muimba yomuranda wake Dhavhidhi,
sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare,
iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu
naparuoko rwavose vanotivenga,
kunzwira madzibaba edu ngoni
nokurangarira sungano yake tsvene,
mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:
kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu,
uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi,
muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
“Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita weWokumusoro-soro;
nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,
kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza
nokuregererwa kwezvivi zvavo,
nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu,
naye zuva richatibudira richibva kudenga,
kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima
nomumumvuri worufu,
uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.”
Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.