Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:57-80

Ruka 1:57-80 SCLB

Zvino mazuva okuti Erizabheti asununguke zvaakakwana, akapona mwana mukomana. Kuzoti vavakidzani vake nehama dzake vanzwa kuti Tenzi akamuitira tsitsi dzakawanda kudai, vakafara kwazvo pamwechete naye. Nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana. Vakanga vachida kumutumidza zita rababa vake rokuti Zakariya, asi amai vake vakati, “Kwete, ngaanzi Johani.” Vanhu vakati kuna amai vake, “Hakuna mumwe wehama dzenyu anodaidzwa nezita iri.” Ipapo vakaninira baba vake vachida kuziva kuti vangade kuti anzi ani. Iye akakumbira chinyorero, akanyora kuti, “Zita rake ndiJohani.” Vose vakashamiswa zvikuru. Pakarepo muromo Zakariya wakabva wazaruka, rurimi rwake rukabva rwasununguka, ndokubva avakutotaura achirumbidza Mwari. Pakave nokutya mukati mavavakidzani vavo, nyaya dzezvinhu izvi dzakafamba kwose kwose munyika yamakomo yeJudhea. Vose vakazvinzwa vakazvipfundira mumwoyo yavo vachiti, “Ko, mwana uyu achazova munhu akaita sei chaizvo?” Nokuti ruoko rwaTenzi rwakanga rwuri paari. Zvino baba vake Zakariya, vakazadzwa naMweya Mutsvene vakaporofita vachiti, “Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari wavaIsiraeri, nokuti akashanyira vanhu vake, akavanunura; akatimutsira Muponesi ane simba mumba maDhavhidhi muranda wake, sokutaura kwaakaita nemiromo yavaporofita vake vatsvene vakare, kuti atinunure kumhandu dzedu, nomumaoko avose vanotivenga, kuri kuratidza tsitsi sokutsidza kwaakamboita kumadzitateguru edu, nokuyeukawo Chitenderano chake chitsvene, nechitsidzo chaakaita kuna baba vedu Abhurahamu, chokuti kana tanunurwa mumaoko emhandu dzedu, timushandire tisingatyi, tichiita mabasa edu tiri vatsvene vakarurama pamberi pake mazuva edu ose. “Iwe mwana, uchanzi muporofita woWokumusorosoro, nokuti uchafanoenda mberi kwaTenzi kundomugadzirira nzira dzake, kupa vanhu vake ruzivo rworuponeso ruri mukuregererwa kwezvitadzo zvavo, pamusana petsiye nyoro dzaMwari wedu, apo tichabudirwa neZuva richibva kumusoro, kuzovhenekera vagere murima nomumumvuri worufu, nokutungamirira tsoka dzedu munzira yorugare.” Mwana akazokura akasimba mumweya. Aigara murenje kusvikira zuva raakazviratidza kuvaIsiraeri.

Verenga chikamu Ruka 1