Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose. Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.” Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro: Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.” Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka; chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.
Verenga chikamu Kuungudza kwaJeremia 3
Terera ku Kuungudza kwaJeremia 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuungudza kwaJeremia 3:13-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo