Kuungudza kwaJeremia 3:13-27
Kuungudza kwaJeremia 3:13-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose. Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.” Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro: Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.” Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka; chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.
Kuungudza kwaJeremia 3:13-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akapinza miseve yegoba rake mutsvo dzangu. Ndava chinhu chinosekwa navanhu vangu vose, nechiimbo chavo zuva rose. Akandigutisa nezvinovava, akandinwisa gavakava. Akapedza meno angu norubwe, akandifukidza namadota. Makarashira mweya wangu kure norugare, ndakakanganwa kuti zvakanaka zvakadini. Ini ndikati, “Simba rangu rapera, nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha.” Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru. Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo. Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro. Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru. Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye. Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka. Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere, zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku.
Kuungudza kwaJeremia 3:13-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akandinanga pakaipa nemiseve yegoba rake. Ndakave chiseko chevanhu vose ndikave rumbo kwavari muswere wose. Akandigutsa nezvinovava akandiraradzisa negavakava. Akaita kuti mazino angu agejere namatombo akandiumburudza kumadota. Akandibvisira paupenyu chinounza rugare, ndakatokanganwawo chinonzi kugarika. Saka ndichiti zvangu zvomukurumbira wangu zvakapera uyewo zvandaitarisira kuna Tenzi zvakapera. Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo. Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu. Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti: Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura. Ini ndinoti Tenzi ndiye nhaka yangu, naizvozvo ndiye chitarisiro changu. Tenzi akanaka kuna vanomumirira kumunhu anomutsvaka. Chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaTenzi chinyararire. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri mudiki.
Kuungudza kwaJeremia 3:13-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakapinza miseʋe yegoɓa rake mutȿo dzaŋgu. Ndaʋa cinhu cinosekwa naʋanhu ʋaŋgu ʋose, neciimbo caʋo zuʋa rose. Wakandigutisa neɀinoʋaʋa, wakandinwisa gaʋakaʋa. Wakapedza meno aŋgu norubge, wakandifukidza namaɗota. Makarashira mŋeya waŋgu kure norugare, ndakakaŋganwa kuti ɀakanaka ɀakaɗini. Ini ndikati: Simba raŋgu rapera, neɀandakaŋga ndakatarira kunaJehova. Raŋgarirai kutambudzika kwaŋgu nenhamo yaŋgu, iro gaʋakaʋa nenduru. Mŋeya waŋgu ucaŋgoɀiraŋgarira naɀino, wakakotama mukati maŋgu. Ndinoɀifuŋga iɀo, naiɀoɀo ndinetariro. Nokuɗa kwoʋunyoro bgaJehova tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Maŋgwanani ose ɀaʋa ɀitȿa; kutendeka kwenyu kukuru. Jehova ndiwo mugoʋe waŋgu — ndiɀo ɀinotaura mŋeya waŋgu; naiɀoɀo ndicaʋimba naye. Jehova unoitira ɀakanaka ʋanomumirira, naiwo mŋeya unomutȿaka. Ɀakanaka kuti munhu aʋimbe naJehova, amirire ruponeso rwaJehova anyerere, Ɀakanaka kuti munhu atakure joko rake aciri muɗuku.
Kuungudza kwaJeremia 3:13-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)