Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jona 2:7-10

Jona 2:7-10 BDSC

“Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza, ndakakurangarirai, imi Jehovha, uye munyengetero wangu wakauya kwamuri, kutemberi yenyu tsvene. “Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo. Asi ini, norwiyo rwokuvonga, ndichabayira kwamuri. Zvandakapika ndichazvizadzisa. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.