Jona 2:7-10
Jona 2:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza, ndakakurangarirai, imi Jehovha, uye munyengetero wangu wakauya kwamuri, kutemberi yenyu tsvene. “Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo, vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo. Asi ini, norwiyo rwokuvonga, ndichabayira kwamuri. Zvandakapika ndichazvizadzisa. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.

Jona 2:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene. Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo. Asi ndichakubayirai nezwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
Jona 2:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mweya wangu pawakapera simba mukati mangu, ndakarangarira TENZI; munamato wangu wakasvika kwamuri muTemberi yenyu inoera. “Vanhu vanoremekedza zvifananidzo zvisina maturo vanokanda pasi kutendeseka kwavo kwapachokwadi. “Asi ini nezwi rokutenda ndichapira chibayiro kwamuri. Ndichaita zvandakapika. Kununura ndokwaTENZI.” TENZI akataura kuhove iya ikarutsira Jona panyika pakaoma.
Jona 2:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋeya waŋgu wakati uciziya mukati maŋgu, ndikaraŋgarira Jehova; Munyeŋgetero waŋgu ukapinda kwamuri mutembere yenyu tȿene. Ʋanoraŋgarira ɀisinamaturo ɀenhema Ʋanorasha nyasha yaʋo. Asi ndicakuɓayirai nenzwi rokuʋoŋga; Ndicaripa ɀandapika. Ruponeso runobva kunaJehova. Jehova akataura nehoʋe, ikandorutsira Jona panyika yakawoma.
Jona 2:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)