Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 28:12-28

Jobho 28:12-28 BDSC

“Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko? Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu. Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ Gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’ Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha. Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire. Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe. Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera. Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka. “Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko? Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga. Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’ Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara, nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga. Paakasimbisa simba remhepo uye akayera mvura, paakaita chirevo chemvura negwara rokutinhira wemheni, ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza. Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ”