“Asi ungwaru hunowanika kupi? Kunzwisisa kunogarepi? Munhu haazivi nzira yoko uye hauwanikwi munyika yavapenyu. Hwenje hunoti hausi mandiri, gungwawo rinoti hausi neni. Haugoni kutsinhaniswa nendarama haugone kuyerwa nomutengo wesirivha. Haugoni kuenzaniswa kukosha kwahwo nendarama yeOfiri kana nokukosha neOnikisi kana neSafaya. Ndarama kana girazi hazvingaenzaniswi naho, kana kutsinhaniswa nezvishongo zvendarama yakanakisisa, tisingamboswerozvienzanisa zvedu nekarari kana nekiristari mutengo woungwaru uri pamusoro pewemapera. Matombo eTopasi ekuEtiopia haangamboenzaniswa nahwo kana kuera kukosha kwahwo nendarama yakanakisisa. “Ko zvino hungwaru hunobva kupi? Kunzwisisa, nzvimbo yako iri kupi? Yakavandika kuvapenyu vose yakahwanda kushiri dzedenga. Nzvimbo yavachakabvu norufu zvinoti takangonzwa chete runyerekupe rwahwo nenzeve. “Mwari ndiye anonzwisisa nzira yokuungwaru uye anoziva nzvimbo yahwo (Nokuti anoona kwakaperera nyika uye anoona chose chiri pasi pedenga.) Paakapa mhepo simba rayo achiyera mvura nechiyereso achipa mvura inonaya mitemo yayo, nemheni inodhiriridza nzira yayo ndopaakanyatsohuongorora akahuona akahurangarira akahuera udzame hwahwo. Ndipo paakati kuvanhu kutya Mwari ndihwo hungwaru kunzvenga chitadzo ndiko kunzwisisa.”
Verenga chikamu Jobhu 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobhu 28:12-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo