Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 15:15-16

Johani 15:15-16 BDSC

Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai. Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.