Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana. Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema, uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba.
Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.”
Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.”
Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.”
Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”
Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”
Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi mununʼuna wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.” Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita. VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko.
Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika. Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?”
Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.”
Jesu akachema.
Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!”