Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:17-36

Johani 11:17-36 SNA2002

Zvino Jesu akati achisvika, akamuwana atova mubwiro mazuva mana. Bhetania rakanga riri pedyo neJerusaremu, masitadhia anenge gumi namashanu; vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuna Marita naMaria, kuti vavabate ruoko pamusoro pehanzvadzi yavo. Zvino Marita akati achinzwa kuti Jesu wouya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria akagara mumba. Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama. “Mumwe nomumwe ari mupenyu, anotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe, ndakatenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo ainzi anouya panyika.” Akati areva izvovo, akandodana Maria, munun'una wake, akati kwaari vari voga, “Mudzidzisi asvika, anokudana.” Iye akati achizvinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari. (Zvino Jesu akanga asati asvika pamusha, asi akanga achiri paya paakachingamidzwa naMarita.) Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruoko, vakati vachiona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako. Zvino Maria akati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Zvino Jesu akati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika, akati, “Mamuisepiko?” Vakati kwaari, “Ishe, uyai muone.” Jesu akachema misodzi. Ipapo vaJudha vakati, “Tarirai, aimuda sei!”

Verenga chikamu Johani 11