Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:1-11

Johani 1:1-11 BDSC

Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga. Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa. Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda. Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika. Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira.