Pakutanga Izwi rakanga riripo, Izwi rakanga riri kuna Mwari, Izwi rakanga riri Mwari. Irori pakutanga rakanga riri kuna Mwari. Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa. Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda. Kwakanga kune munhu akatumwa naMwari, zita rake rainzi Johani. Iye akauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. Uyu akanga asati ari icho chiedza, asi akatumwa kuti apupurire chiedza. Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika. Akanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. Akauya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira.
Verenga chikamu Johani 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 1:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo