Haiwa Jehovha makandinyengera, uye ndakanyengerwa; makandikurira uye mukakunda, vanondiseka zuva rose; munhu wose anondiseka. Pandinotaura pose, ndinodanidzira ndichitaura nezvokuita nechisimba nokuparadza. Saka shoko raJehovha rakandivigira kutukwa nokunyadziswa zuva rose. Asi kana ndikati, “Handicharevi zita rake, kana kutaurazve muzita rake,” shoko rake riri mumwoyo mangu rakaita somoto, moto wakapfigirwa mumapfupa angu. Ndaneta nokuridzivisa; zvirokwazvo, handigoni. Ndinonzwa vazhinji vachizevezera vachiti, “Zvinotyisa kumativi ose! Mureverei! Ngatimureverei!” Shamwari dzangu dzose dzakarindira kutedzemuka kwangu, dzichiti, “Zvimwe achanyengererwa; ipapo tigomukunda tigozvitsiva paari.” Asi Jehovha aneni semhare ine simba; saka vatambudzi vangu vachagumburwa, uye havangakundi. Vachakundikana uye vachanyadziswa kwazvo; kusakudzwa kwavo hakungatongokanganwiki. Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munoedza vakarurama uye munonzvera mwoyo nendangariro, regai ndione kutsiva kwenyu pamusoro pavo, nokuti ndaisa mhaka yangu kwamuri. Imbirai Jehovha! Ipai rumbidzo kuna Jehovha! Iye anorwira upenyu hwavanoshayiwa kubva mumaoko avakaipa. Ngaritukwe zuva randakaberekwa! Zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa!
Verenga chikamu Jeremia 20
Terera ku Jeremia 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 20:7-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo