Jeremia 20:7-14
Jeremia 20:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha makandinyengera, uye ndakanyengerwa; makandikurira uye mukakunda, vanondiseka zuva rose; munhu wose anondiseka. Pandinotaura pose, ndinodanidzira ndichitaura nezvokuita nechisimba nokuparadza. Saka shoko raJehovha rakandivigira kutukwa nokunyadziswa zuva rose. Asi kana ndikati, “Handicharevi zita rake, kana kutaurazve muzita rake,” shoko rake riri mumwoyo mangu rakaita somoto, moto wakapfigirwa mumapfupa angu. Ndaneta nokuridzivisa; zvirokwazvo, handigoni. Ndinonzwa vazhinji vachizevezera vachiti, “Zvinotyisa kumativi ose! Mureverei! Ngatimureverei!” Shamwari dzangu dzose dzakarindira kutedzemuka kwangu, dzichiti, “Zvimwe achanyengererwa; ipapo tigomukunda tigozvitsiva paari.” Asi Jehovha aneni semhare ine simba; saka vatambudzi vangu vachagumburwa, uye havangakundi. Vachakundikana uye vachanyadziswa kwazvo; kusakudzwa kwavo hakungatongokanganwiki. Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munoedza vakarurama uye munonzvera mwoyo nendangariro, regai ndione kutsiva kwenyu pamusoro pavo, nokuti ndaisa mhaka yangu kwamuri. Imbirai Jehovha! Ipai rumbidzo kuna Jehovha! Iye anorwira upenyu hwavanoshayiwa kubva mumaoko avakaipa. Ngaritukwe zuva randakaberekwa! Zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa!
Jeremia 20:7-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi Jehovha makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imi mune simba kupfuureni, mukakunda; ndakaitwa chinhu chinosekwa zuva rose, mumwe nomumwe unondiseka. Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti, “Zvinoitwa nesimba nokuparadza!” Nokuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshoorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose. Kana ndichiti, “Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake,” ipapo mumwoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni. Nokuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. “Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikanwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari.” Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi. Asi imi Jehovha wehondo, imi, munoidza vakarurama, munoona itsvo nomwoyo, ngandione kutsiva kwenyu kwavari; nokuti ndakakuzarurirai imi mhaka yangu. Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nokuti wakarwira mweya wounoshaiwa pamaoko avaiti vezakaipa. Zuva randaberekwa naro ngaritukwe; zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa.
Jeremia 20:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi Tenzi makandinyengedza, ini ndikabvuma kunyengedzwa. Imi makasimba kupinda ini uye imi makandikurira. Ndava chiseko chenyika zuva rose. Munhu wose anondisvoveredza. Nokuti pandinoti nditaure, ndinoshevedzera ndichidaidzira ndichiti, “Hecho chisimba noumharadzi!” Nokuti shoko raTenzi rave kwandiri chinhu chinondishoresa nokundisekesa zuva rose. Ndikati nditi, “Handichambofunga nezvake kana kutaurazve nezita rake,” mumwoyo mangu munoita somune moto unopisa wakapfigirwa mumapfupa angu, zvandikunda ini, handichazvigona. Nokuti ndiri kunzwa vazhinji vachiita kazevezeve, mativi ose zvangove zvinotyisa. “Mumhan'arirei! Ngatimumhan'arirei,” ndizvo zviri kutaura shamwari dzangu chaidzo dzose dzakangotarisira kuti pangu pandiperere, vachiti zvimwe angafuririke tikamukurira tobva tamutsividza. Asi Tenzi aneni somurwi wehondo anotyisa. Naizvozvo vanondionesa ndondo vachagumburwa uye havambondikunda. Vachanyadziswa zvikuru nokuti havasi kuzombobudirira. Kunyadziswa kwavo kusingaperi hakusi kuzombofa kwakakanganikwa. Imi Tenzi wehondo nehondo munoedza wani vakarurama, imi munoona mumwoyo nomupfungwa dzomunhu, itai henyu kuti ndione imi muchivatsividza nokuti ndazviturira mumaoko menyu. Imbirai Tenzi rumbidzai Tenzi nokuti akanunura upenyu hwavasina chavanacho mumaoko mevaiti vezvakaipa. Ngarive norushambwa zuva randakaberekwa musi wandakaponwa namai vangu, ngaurege kuva musi wakakombererwa.
Jeremia 20:7-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi Jehova makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imi munesimba kupfuʋureni, mukakunda; ndakaitwa cinhu cinosekwa zuʋa rose, mumŋe nomumŋe unondiseka. Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndoɗanidzira; ndinoɗanidzira, ndiciti: Ɀinoitwa nesimba nokuparadza! nokuti shoko raJehova rakaitwa kwandiri cinhu cinoshoʋorwa, necinhu cinosekwa zuʋa rose. Kana ndiciti: Handicamuraŋgariri, kana kutaura nezita rake, ipapo mumŋoyo maŋgu maʋa somŋoto unopfuta, wakapfigirwa mumafupa aŋgu; ndaneta nokutsuŋgirira, handicagoni. Nokuti ndakanzwa makuhwa aʋazhinji, ɀinotyisa pamatiʋi ose. Pomerai, isu tigomupomera, ndiɀo ɀinotaura shamŋari dzaŋgu dzose dzinoɗikanwa neni, ʋanotarira kuparadzwa kwaŋgu; ɀimŋe ucanyeŋgerwa, tikamukunda, tikaɀitsiʋira kwaari. Asi Jehova uneni semhare inotyisa; saka ʋamanikidzi ʋaŋgu ʋacagumburwa, haʋaŋgakundi; ʋacanyadziswa kwaɀo, nokuti haʋana‐kuita noʋucenjeri, nokunyadzwa kusiŋgaperi, kusiŋgazokaŋganikwi. Asi imi Jehova wehondo, imi, munoidza ʋakarurama, munoʋona itȿo nomŋoyo, ŋgandiʋone kutsiʋa kwenyu kwaʋari; nokuti ndakakuzarurirai imi mhaka yaŋgu. Imbirai Jehova, rumbidzai Jehova; nokuti wakarwira mŋeya wounoshaiwa pamaʋoko aʋaiti ʋeɀakaipa. Zuʋa randaɓerekwa naro ŋgaritukwe; zuʋa randakaɓerekwa namai ʋaŋgu ŋgarirege kuropafadzwa.
Jeremia 20:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)